Romans 4

Abhurahama wakanzi wakarurama nerutendo

1Ko zvino tichati Abhurahama baba vedu wakawanei panyama? 2Nokuti kana Abhurahama akanzi wakarurama nemabasa, ane kuzvikudza, asi kwete pamberi paMwari. 3Nokuti rugwaro rwunoti kudini? Rwunoti: Abhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengwa kwaari kuti kururama. 4Asi kune anoshanda mubairo hauverengwi sewenyasha, asi sewengava. 5Asi kune asingashandi, asi anotenda kuna iye anoshaisa mhosva asingadi Mwari, rutendo rwake rwunoverengerwa kuti kururama. 6Uye sezvo Dhavhidhi achitsanangura kuropafadzwa kwemunhu, Mwari waanoverengera kururama kunze kwemabasa, achiti: 7Vakaropafadzwa vane kudarika kwakakanganwirwa, uye vane zvivi zvakafukidzirwa. 8Wakaropafadzwa munhu Ishe waasingatongoverengeri chivi. 9Naizvozvo kuropafadzwa uku kuri pamusoro pekudzingiswa here, kana pamusoro pekusadzingiswawo? Nokuti tinoti: Rutendo rwakaverengwa kuna Abhurahama kuti kururama. 10Ko kwakaverengwa sei? Paakange ari mukudzingiswa here, kana mukusadzingiswa? Kwete mukudzingiswa, asi mukusadzingiswa. 11Zvino wakagamuchira chiratidzo chekudzingiswa, mucherechedzo wekururama kwerutendo, rwaakange anarwo mukusadzingiswa; kuti ave baba vevese vanotenda mukusadzingiswa, kuti kururama kuverengerwe kwavariwo; 12uye baba vekudzingiswa kune avo vasiri vanobva mukudzingiswa chete, asi vanofambawo mumakwara erutendo rwababa vedu Abhurahama kwavaiva nako mukusadzingiswa. 13Nokuti chivimbiso hachina kuva kuna Abhurahama kana kumbeu yake kubudikidza nemurairo, chekuva mugari wenhaka yenyika, asi nekururama kwerutendo. 14Nokuti kana ivo vanobva pamurairo vari vagari venhaka, rutendo rwunoshaiswa maturo, nechivimbiso chinokoneswa; 15nokuti murairo unouisa kutsamwa; nokuti pasina murairo, hapana kudarikawo. 16Naizvozvo ndezverutendo, kuti zvive zvenyasha, kuti chivimbiso chisimbiswe kumbeu yese; isati iri yemurairo chete asi neiyo yerutendo rwaAbhurahama, anova baba vedu tese, 17(sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakakugadza uve baba vemarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari, anoraramisa vakafa, neanodana zvisipo sekunge zviripo. 18Iye achipokana netariro wakatenda kutariro, kuti achava baba vemarudzi mazhinji, sezvakange zvataurwa kuti: Ichaita saizvozvo mbeu yako. 19Uye haana kushaiwa simba parutendo, haana kurangarira muviri wake womene wakange watofa, ava nemakore anenge zana, uye kufa kwechizvaro chaSara; 20asi haana kuva nechokwadi nechivimbiso chaMwari nekusatenda, asi wakasimbiswa parutendo, achipa rumbidzo kuna Mwari, 21achipwisa zvakazara kuti icho chaakavimbisa, wakange achigonawo kuchiita. 22Zvino naizvozvo zvakaverengerwa kwaari kuti kururama. 23Asi zvakange zvisina kunyorwa nekuda kwake ega, kuti zvakaverengerwa kwaari; 24asi nekuda kweduwo, tichaverengerwa icho, tinotenda kune wakamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa, 25wakatengeswa nekuda kwezvitadzo zvedu, akamutswazve nekuda kwekunzi takarurama.

Copyright information for Shona